GOSPEL4GRAMPIAN Radio

Gospel4You International in Shona -'The point of Easter' translated and spoken by a native speaker of Zimbabwe


Listen Later

Mamuka sei mese, mazvita nekushambadza minamato wedu watichaita mumitauro yakasiyana -siyana nemaereano  Easter.Tinokugamuchirai pachirongwa cheGospel4You International.  Pachirongwa  chemibvunzo nemaverse amunofunga. Ko nei tichiita Easter? Donzo redu reradio nderei
Johani3 vs16 iri mubhaibheri inoti- Nokuti mwari vakada nyika nokudaro,kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga,kuti ani Nani unotenda kwaari arege kuparara, asi Ave noupenyu bwusingapereSei  Mwari vari kwese kuhutsvene nekutida tose tose
Chero Kuna Ekisodo 15 verse13 inoti-Makafambiswa nenyasha dzenyu  vanhu vamakadzikunura, makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu hutsvene.
Muna 2Vakorinde 13 verse14 inoti-Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari nokuyanana koMweya Mutsvene,  ngazvive nemi mose .   Ichi chipo chenyasha chinobva kunaJesu Kritsu kuvanhu voseKuti ani nani anotenda haangafi asi uchava noupenyu bwusingaperi Kune avo vose vanogamuchira upenyu  bwusingaperi, Chii chichaitika kune avo vasingatendi?
Ruka12verse 46 inoti- Ishe womuranda uyo  uchasvika nezuva raasingatarisiri, nenguva yaasingazive, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.
Chii chichaitika panzvimbo yeavo vasingatendi?Mateo25 verse41 inoti- zvino uchati Kuna vari kuruboshwe, ibvai kwandiri iki makatukwa, muende kumoto usingaperi,-  wakagadzirirwa Diabhorosi navatumwa vake.-Chingava chokwadi here?Johani14 verse17 inoti-Ndiye mweya wazvokwadi, nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kunuziva , imi munoziva, nokuti ugere nemi uchava mukati  menyu.
Chirongwa cheEaster ndechekuvimbisa upenyu bwusingaperi hwakaitwa neMwanakomana wamwari Jeso Kristu kuti tisava vatadzi. Tinovimba nezvatinoudzwa nebhaibheri. Uye tichivimba naJesu Kritsu mwana waMwari iye mwari wedu nomudzikinuri wedu.. Tinovimba kuti Jesu wakatiudza kuti  tiende tive vadzidzi vake kunyika dzepasi rose. Ndizvo zvaita kuti trite zvatiri kuita  .
...more
View all episodesView all episodes
Download on the App Store

GOSPEL4GRAMPIAN RadioBy Gospel4Grampian