Ekisodo 33 : 13-15
13. Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.
14 Jehovha akati, Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.
15 Akati kwaari, Kana imwi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.