Kubudirira kunopfuura kuva nemari chete; Muparidzi 10:19 Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari. Kunyangwe zvakadaro, kubudirira kuisa mukati, kuchenjera, kupora, kuchengetedzwa, nyasha,, zvose zvakanaka; Johane 10:10 Mbavha inongovuya, kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave novupenyu, vuye ave nobwakawanda.
Mwari vanotitarisira kuti tibudirire pamari kuti tikwanise kuita zvose zvaakatiraira kuita. Mari inodiwa kuti tiparidze Evhangeri; Mateo 28:19 Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene. 20 Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.
Kubudirira hakuuyi nokunamata nokutsanya, asi nesungano; Genesis 8:22 Nguva yose yenyika ku¬dzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvi-ngagumi." Mwari vakaita sungano naNoah nevana vake yokudzvara nokucheka. Kuti ufume unofanira kutodzvara wozocheka kana zvaibva.